Kubuda 24:1-4
Kubuda 24:1-4 SCLB
Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora Aroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru makumi manomwe vevaIsiraeri, mukwire muno mugomo mandiri. Musati masvika pandiri pfugamai mundiremekedze. Iwe Mosesi ndiwe woga uchasvika pedyo neni Tenzi, asi vamwe ngavarege kuswedera pedyo, vamwe vanhu ngavarege kukwira muno newe.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri zvose zvakarehwa naTenzi nemirao yose. Vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Tichaita zvose zvataurwa naTenzi.” Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri.

