Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 24:1-4

Ekisodho 24:1-4 SNA2002

Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure; Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.” Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.

Verenga chikamu Ekisodho 24