Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 16:1-35

Kubuda 16:1-35 SCLB

Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo kubva kuErimu vakandosvika murenje reSini riri nechepakati peErimu negomo reSinai. Vakasvikapo pazuva regumi nechishanu, romwedzi wechipiri wokubva kwavo kuIjipiti. Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.” Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete. Asi pazuva rechitanhatu pavanogadzirira zvokudya ngavanonge mwero wepazuva wakapetwa kaviri.” Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti. Mangwana mangwanani muchaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Izvo zviya, ndiye wamanga muchinyunyutira achizvinzwa, isu tiri vanaaniwo zvedu vamungapopotere.” Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ” Aroni paakanga achitaura negungano rose ravaIsiraeri, vakatarira kurenje ndokuona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuri mugore. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” Ava manheru kwakauya zvihuta zvizhinji zvikazara pamatendhe avo, mangwana acho dova rikafuma rakati ware ware panharaunda yamatendhe avo. Kuzoti dova riya raoma, kwakaonekwa zvimwe zvinhu zvidikidiki zvakaita samafefenhwa, zvakasara zvakati ware ware pasi murenje imomo zvichinge chando. VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii. Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye. Zvino chinzwai zvarehwa naTenzi, ati, ‘Mumwe nomumwe ngaanonge chaanokwana kudya pazuva marita maviri pamunhu zvichienderana nokuwanda kwakaita vanhu vaanavo mutendhe rake.’ ” VaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakanonga chizhinji, vamwe chishoma. Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye. Mosesi akavati, “Hapana anofanira kusiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani.” Asi vanhu havana kuteerera Mosesi. Vamwe vakasiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani, asi chakaora chikaita honye. Mosesi akavashatirirwa. Vaichinonga achiri mangwanani zuva nezuva mumwe nomumwe achinonga chaanokwana kudya pazuva. Asi chaiti kana zuva ropisa chonyakatika. Pazuva rechitanhatu vakanonga chingwa chamazuva maviri, mumwe nomumwe marita mana. Vatungamiriri vose vevaIsiraeri vakauya vakazvisvitsa kuna Mosesi. Mosesi akati kwavari, “Ndizvozvo wani zvakarehwa naTenzi mangwana izuva rokuzorora, iSabata rinoereserwa Tenzi. Saka nhasi uno gochai zvenyu chamunoda kugocha, mubike chamunoda kubika. Chose chinenge chasara chichengeterei mangwana.” Vakachichengeta kusvikira mangwana sezvavakanga vaudzwa naMosesi, asi hachina kufuma chakaora kana kuita honye. Mosesi akati, “Nhasi idyai zvenyu ichochi nokuti nhasi iSabata, izuva raTenzi, hakuna chokunonga kunze'ku. Munofanira kunonga chokudya ichocho kwamazuva matanhatu zuva nezuva. Asi zuva rechinomwe nderokuzorora, kuchange kusina chokunonga.” Pazuva rechinomwe vamwe vakaenda vachida kundononga chingwa chiya asi hapana chavakawana. Tenzi akati kuna Mosesi, “Muchasvika riniko muchiramba kuteerera mitemo nemirao yangu? Inga ini Tenzi ndakakupai zuva rokuzorora saka ndichikupaiwo zvokudya zvinokwanirana namazuva maviri pazuva rechitanhatu. Musi wechinomwe, munhu wose ngaarege kubva paanenge ari.” Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. VaIsiraeri vakatumidza chokudya ichocho zita rokuti mana. Mana iyi zvaiva zviri zvinhu zvidikidiki zvichena zvainge mhodzi yomukorianda zvichitapira sechingwa chakabikwa nouchi. Mosesi akati, “Tenzi akatirayira kuti tichengetere zvizvarwa zvedu zvichauya mana iyi inokwana mumarita maviri zvizoona chingwa chatakapiwa naTenzi kuti tidye tichiri murenje panguva yaakatiburitsa muIjipiti.” Mosesi akataurira Aroni achiti, “Tora hari uisemo mana iyi inokwana mumarita maviri uigadzike pana Tenzi muichengete pazvizvarwa nezvizvarwa zvenyu zvose.” Aroni akaita sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Akandogadzika hari iyi panyasi pebhokisi rechitenderano, kuti ichengeterwe ipapo. VaIsiraeri vakadya mana iyi kwamakore makumi mana kudzamara vazosvika munyika yaigona kugarwa navanhu. Mana iyi vakaidya kusvikira vasvika pamuganhu wenyika yeKanani.

Verenga chikamu Kubuda 16