Ekisodho 16:1-35
Ekisodho 16:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.” Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti, uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?” Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ” Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’ ” VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma. Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira. Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.” Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira. Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika. Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi. Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ” Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri. Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi. Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.” Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai? Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.” Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi. Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ” Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.” Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo. VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.
Ekisodho 16:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeIjipiti. Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete. Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.” Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti. Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?” Mosesi akati, “Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.” Mosesi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.’ ” Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, ‘Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;’ zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.” Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa. Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu. Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, “Chinyiko?” Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mosesi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, ‘Musaunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.’ ” Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma. Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya. Mosesi akati kwavari, “Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.” Asi havana kuteerera Mosesi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mosesi akavatsamwira. Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika. Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri mbiri; zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mosesi. Mosesi akati kwavari, “Ndizvo zvakataurwa naJehovha, ‘Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;’ gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.” Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMosesi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo. Mosesi akati, “Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango. Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.” Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira riniko? Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.” Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe. Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi. Zvino Mosesi akati, “Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, ‘Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ” Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.” Sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo. Vana vaIsiraeri vakadya mana makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani.
Ekisodho 16:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo kubva kuErimu vakandosvika murenje reSini riri nechepakati peErimu negomo reSinai. Vakasvikapo pazuva regumi nechishanu, romwedzi wechipiri wokubva kwavo kuIjipiti. Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.” Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete. Asi pazuva rechitanhatu pavanogadzirira zvokudya ngavanonge mwero wepazuva wakapetwa kaviri.” Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti. Mangwana mangwanani muchaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Izvo zviya, ndiye wamanga muchinyunyutira achizvinzwa, isu tiri vanaaniwo zvedu vamungapopotere.” Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ” Aroni paakanga achitaura negungano rose ravaIsiraeri, vakatarira kurenje ndokuona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuri mugore. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” Ava manheru kwakauya zvihuta zvizhinji zvikazara pamatendhe avo, mangwana acho dova rikafuma rakati ware ware panharaunda yamatendhe avo. Kuzoti dova riya raoma, kwakaonekwa zvimwe zvinhu zvidikidiki zvakaita samafefenhwa, zvakasara zvakati ware ware pasi murenje imomo zvichinge chando. VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii. Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye. Zvino chinzwai zvarehwa naTenzi, ati, ‘Mumwe nomumwe ngaanonge chaanokwana kudya pazuva marita maviri pamunhu zvichienderana nokuwanda kwakaita vanhu vaanavo mutendhe rake.’ ” VaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakanonga chizhinji, vamwe chishoma. Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye. Mosesi akavati, “Hapana anofanira kusiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani.” Asi vanhu havana kuteerera Mosesi. Vamwe vakasiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani, asi chakaora chikaita honye. Mosesi akavashatirirwa. Vaichinonga achiri mangwanani zuva nezuva mumwe nomumwe achinonga chaanokwana kudya pazuva. Asi chaiti kana zuva ropisa chonyakatika. Pazuva rechitanhatu vakanonga chingwa chamazuva maviri, mumwe nomumwe marita mana. Vatungamiriri vose vevaIsiraeri vakauya vakazvisvitsa kuna Mosesi. Mosesi akati kwavari, “Ndizvozvo wani zvakarehwa naTenzi mangwana izuva rokuzorora, iSabata rinoereserwa Tenzi. Saka nhasi uno gochai zvenyu chamunoda kugocha, mubike chamunoda kubika. Chose chinenge chasara chichengeterei mangwana.” Vakachichengeta kusvikira mangwana sezvavakanga vaudzwa naMosesi, asi hachina kufuma chakaora kana kuita honye. Mosesi akati, “Nhasi idyai zvenyu ichochi nokuti nhasi iSabata, izuva raTenzi, hakuna chokunonga kunze'ku. Munofanira kunonga chokudya ichocho kwamazuva matanhatu zuva nezuva. Asi zuva rechinomwe nderokuzorora, kuchange kusina chokunonga.” Pazuva rechinomwe vamwe vakaenda vachida kundononga chingwa chiya asi hapana chavakawana. Tenzi akati kuna Mosesi, “Muchasvika riniko muchiramba kuteerera mitemo nemirao yangu? Inga ini Tenzi ndakakupai zuva rokuzorora saka ndichikupaiwo zvokudya zvinokwanirana namazuva maviri pazuva rechitanhatu. Musi wechinomwe, munhu wose ngaarege kubva paanenge ari.” Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. VaIsiraeri vakatumidza chokudya ichocho zita rokuti mana. Mana iyi zvaiva zviri zvinhu zvidikidiki zvichena zvainge mhodzi yomukorianda zvichitapira sechingwa chakabikwa nouchi. Mosesi akati, “Tenzi akatirayira kuti tichengetere zvizvarwa zvedu zvichauya mana iyi inokwana mumarita maviri zvizoona chingwa chatakapiwa naTenzi kuti tidye tichiri murenje panguva yaakatiburitsa muIjipiti.” Mosesi akataurira Aroni achiti, “Tora hari uisemo mana iyi inokwana mumarita maviri uigadzike pana Tenzi muichengete pazvizvarwa nezvizvarwa zvenyu zvose.” Aroni akaita sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Akandogadzika hari iyi panyasi pebhokisi rechitenderano, kuti ichengeterwe ipapo. VaIsiraeri vakadya mana iyi kwamakore makumi mana kudzamara vazosvika munyika yaigona kugarwa navanhu. Mana iyi vakaidya kusvikira vasvika pamuganhu wenyika yeKanani.
Ekisodho 16:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakabva Erimi parwe ndo rwaʋo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ikaȿika parenje reSini, riri pakati peErimi neSinai, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecipiri pakubva kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. Fume maŋgwana mucaʋona kubginya kwaJehova, nokuti iye wakanzwa kupopota kwamakapopotera Jehova nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu. Ɀino Aroni wakati acataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakatarira kurutiʋi rwokurenje, ʋakaʋona kubginya kwaJehova kuciratidzwa mugore. Jehova akataura naMosesi, akati: Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu. Ɀino maɗekwana ɀihuta ɀikakwira, ɀikafukidza misasa; fume maŋgwana ɗoʋa rakaŋga rakapoteredza misasa Ɀino ɗoʋa rakaŋga riri pasi rakati radzimuka, ʋakaʋona ɀinhu ɀiɗuku ɀakaʋuruŋgana ɀakaŋga ɀiri pasi murenje, ɀiɗuku secando pavu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye. Ɀino heri shoko rakarairwa naJehova: Muɀiʋuŋganidzire cinhu ico, mumŋe nomumŋe seɀaanosidya; munhu mumŋe nomumŋe omeri imŋe, muciʋereŋga ʋanhu ʋenyu, mumŋe nomumŋe atorere ʋari mutente rake. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo, ʋamŋe ʋakaʋuŋganidza ɀizhinji, ʋamŋe ɀishoma. Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya. Mosesi akati kwaʋari: Kurege kuʋa nomunhu unosiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana. Asi haʋana‐kuterera Mosesi, asi ʋamŋe ʋakasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ɀikazara nehonye, ɀikanhuwa; Mosesi akaʋatsamŋira. Ʋakaɀiʋuŋganidza maŋgwanani ose, mumŋe nomumŋe seɀaaidya; kana zuʋa ropisa ɀakanyakatika. Nezuʋa retanhatu ʋaiʋuŋganidza ciŋgwa ʋaciita ɀiyero ɀiʋiri, mumŋe nomumŋe omeri mbiri; ɀino ʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakaʋuya kuzoʋudza Mosesi. Mosesi akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakataurwa naJehova: Maŋgwana izuʋa rezororo, isaɓata rakatsaurirwa Jehova; gocai ɀamunoɗa kugoca, ɓikai ɀamunoɗa kuɓika; ɀose ɀasara muɀiʋige, muɀiceŋgetere maŋgwana. Ʋakaɀiʋiga kuȿikira maŋgwana, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi; ɀino iɀo haɀina‐kunhuwa, nehonye hadzina‐kuzoʋa’mo. Mosesi akati: Cidyai henyu iɀoɀo nhasi, nokuti nhasi isaɓata raJehova. Nhasi hamuŋgaɀiwani kusaŋgo. Munofanira kuɀiʋuŋganidza mazuʋa matanhatu; asi zuʋa recinomŋe isaɓata; nezuʋa iro hakuŋgaʋi necinhu. Ɀino nezuʋa recinomŋe ʋamŋe ʋakaɓuɗa kundoɀiʋuŋganidza, asi haʋana‐kuwana cinhu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Munoramba kuceŋgeta mirairo yaŋgu nemirau yaŋgu kuȿikira riniko? Tarirai, Jehova ɀaakakupai saɓata, naiɀoɀo unokupai ɀokudya ɀamazuʋa maʋiri nezuʋa retanhatu; mumŋe nomumŋe wenyu ngaagare kwaagere, kurege kuʋa’po nomunhu unoɓuɗa kwaagere nezuʋa recinomŋe. Ʋanhu ʋakazorora nezuʋa recinomŋe Ɀino ʋeimba yaIsraeri ʋakatumidza iɀoɀo zita rinonzi Mana; cakaŋga ciri cicena setsaŋga yekorianderi; kunaka kwaɀo kwakaŋga kwakafanana neɀiŋgwa ɀakaɓikwa noʋuci. Ɀino Mosesi akati: Ndiro shoko rakarairwa naJehova: Omeri izere ŋgaiceŋgeterwe marudzi enyu, ʋaʋone ciŋgwa candakakugutsai naco murenje, ŋguʋa yandakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Tora hari uise’mo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehova, kuti iceŋgeterwe marudzi enyu. Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, saiɀoɀo Aroni wakaɀigadzika pamberi peCipupuriro, kuti ɀiceŋgetwe’po. Ʋana ʋaIsraeri ʋakadya mana makore makumi manna, kudzimana ʋaciȿika panyika yakagarwa naʋanhu; ʋakadya mana kudzimana ʋaciȿika pamiganhu yenyika yeKanani.
Ekisodho 16:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)