Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 1:30-33

Kutsinhira Mutemo 1:30-33 SCLB

Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.