Dhuteronomi 1:30-33
Dhuteronomi 1:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.” Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu, iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.
Dhuteronomi 1:30-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’ Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
Dhuteronomi 1:30-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.
Dhuteronomi 1:30-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari wenyu unokutuŋgamirirai, iye ucakurwirai, seɀaakakuitirai ɀose paEgipita pamberi penyu, nomurenje pamakaʋona muɓerekerwe wamakaɓerekwa nawo naJehova Mŋari wenyu, somunhu unoɓereka mŋana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimana muciȿika panɀimbo iyi. Asi pacinhu ici hamuna‐kutenda Jehova Mŋari wenyu; iye wakakutuŋgamirirai panzira, kuti akutȿakirei pamuŋgadzika matente enyu, nomŋoto ʋusiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, ʋuye negore masikati.
Dhuteronomi 1:30-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)