Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 1:30-33

Dhuteronomi 1:30-33 SNA2002

Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’ Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.