Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto. Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto. Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo. Naizvozvo ndinotema chirevo chokuti: Rudzi rupi zvarwo, kana ndudzi dzipi zvadzo dzavanhu, kunyange rurimi runotaura zvakaipa nezvaMwari kuwana vane rakaipa ravanongoti bufu kutaura nezvaMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vachabvamburwa kuita zvidimbu zvidimbu, misha yavo igoitwa matongo. Ndinodaro nokuti, hakuna mumwe Mwari anogona kununura saizvozvi izvi.” Nebhukadhineza akabva asumudzirazve pamusoro vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego imomo munyika yeBhabhironi.
Verenga chikamu Dhanieri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 3:26-30
1 Week
Learn what the Bible says about boldness and confidence. The "Courage" Reading Plan encourages believers with reminders of who they are in Christ and in God's kingdom. When we belong to God, we're free to approach Him directly. Read again – or maybe for the first time – assurances that your place in God's family is secure.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo