Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:26-30

Dhanieri 3:26-30 SNA2002

Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, “Nhai imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro‐soro, budai muuye pano.” Ipapo Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto. Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari. Nebhukadhinezari akataura akati, “Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo. “Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vatemwe‐temwe, nedzimba dzavo dziitwe muturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.” Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.

Verenga chikamu Dhanieri 3