Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 28:1-6

Mabasa 28:1-6 SCLB

Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota. Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora. Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake. Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.” Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara. Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.”

Verenga chikamu Mabasa 28