Mabasa 28:1-6
Mabasa 28:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita. Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora. Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.” Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.
Mabasa 28:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita. Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando. Zvino Pauro akati aunganidza svinga routsotso, akahuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruoko rwake. Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.” Asi iye wakazunzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa. Ivo vakati achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakaona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti, “Iye Mwari.”
Mabasa 28:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota. Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora. Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake. Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.” Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara. Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.”
Mabasa 28:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takati taponeswa, tikaziʋa kuti ciwi cinonzi Merita. Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatiitira ʋunyoro kwaɀo; nokuti ʋakaɓatidza mŋoto, ʋakatigamucira tose, nokuɗa kwemvura yakaŋga icinaya, ʋuye nokuɗa kwecando. Ɀino Pauro wakati aʋuŋganidza ȿiŋga roʋutsotso, akabguisa pamŋoto, kukaɓuɗa nyoka nokudziya, ikanamatira paruʋoko rwake. Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakati ʋaciʋona cikara cakaremberera paruʋoko rwake, ʋakataurirana, ʋaciti: Ɀirokwaɀo munhu uyu muʋurayi, nokuti kunyaŋge aɗoponeswa hake paguŋgwa, Kururama hakumutenderi kuti aʋe mupenyu. Asi iye wakazuzira cikara mumŋoto, akasanzwa kurwadzwa. Iʋo ʋakati ucaɀimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; ɀino ʋakati ʋatarira ŋguʋa refu, ʋakaʋona kuti haana‐kusikirwa nenjodzi, ʋakashanduka ʋoti: Iye mŋari.
Mabasa 28:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)