Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 5:1-12

1 Johani 5:1-12 SCLB

Munhu wose anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, mwana waMwari. Munhu anoda mubereki anodawo mwana waanobereka. Chatinoziva nacho kuti tinoda vana vaMwari, kuda Mwari nokuteerera mitemo yake. Kuda Mwari kunoreva kuchengeta mitemo yake uye mitemo yake hairemi nokuti mwana wose waMwari anokunda nyika. Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu. Ndiani anokunda pasi kana asiri uyo anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu ndiye akauya nemvura neropa kwete nemvura chete asi nemvura neropa. Mweya ndiye chapupu nokuti Mweya ndiye chokwadi. Kune zvapupu zvitatu zvinoti Mweya neropa nemvura. Zvose zviri zvitatu zvinowirirana. Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu, ko kutozoti hwaMwari, hukuru kupinda hwavanhu. Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari hwaakaita kuMwanakomana wake. Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari ano uchapupu ihwohwo maari, uyowo asingatendi muna Mwari anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake. Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti: Mwari akatipa upenyu husingaperi upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake. Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu.

Verenga chikamu 1 Johani 5