1 Johani 5:1-12
1 Johani 5:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
1 Johani 5:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe nomumwe, anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye akaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, anoda iye akabereka, anodawo akaberekwa naye. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirayiro yake. Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi. Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Haazi iye anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari here? Ndiye akauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Ndiye Mweya anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe. Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kukupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake. Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake. Kupupura ndiko, kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. Ane Mwanakomana waMwari ano upenyu, asina Mwanakomana waMwari, haano hupenyu.
1 Johani 5:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, mwana waMwari. Munhu anoda mubereki anodawo mwana waanobereka. Chatinoziva nacho kuti tinoda vana vaMwari, kuda Mwari nokuteerera mitemo yake. Kuda Mwari kunoreva kuchengeta mitemo yake uye mitemo yake hairemi nokuti mwana wose waMwari anokunda nyika. Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu. Ndiani anokunda pasi kana asiri uyo anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu ndiye akauya nemvura neropa kwete nemvura chete asi nemvura neropa. Mweya ndiye chapupu nokuti Mweya ndiye chokwadi. Kune zvapupu zvitatu zvinoti Mweya neropa nemvura. Zvose zviri zvitatu zvinowirirana. Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu, ko kutozoti hwaMwari, hukuru kupinda hwavanhu. Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari hwaakaita kuMwanakomana wake. Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari ano uchapupu ihwohwo maari, uyowo asingatendi muna Mwari anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake. Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti: Mwari akatipa upenyu husingaperi upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake. Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu.
1 Johani 5:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe nomumŋe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaɓerekwa naMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa iye wakaɓereka, unoɗa ʋo wakaɓerekwa naye. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinoɗa ʋana ʋaMŋari, kana ticiɗa Mŋari, ticiita mirairo yake. Nokuti ruɗo rwaMŋari ndirwo, kuti ticeŋgete mirairo yake; mirairo yake hairemi. Nokuti cinhu cipi necipi, cinoɓerekwa naMŋari cinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kweɗu. Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari here? Ndiye wakaʋuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana‐kuʋuya nemvura ɓedzi, asi nemvura neropa. Ndiye Mŋeya unopupura, nokuti Mŋeya ndiye ɀokwaɗi. Nokuti kuneɀitatu ɀinopupura, ɀinoti: Mŋeya, nemvura neropa; ɀitatu iɀi ɀinopupura cinha cimŋe Kana ticigamucira kupupura kwaʋanhu, kupupura kwaMŋari kukuru; nokuti kupupura kwaMŋari ndiko, kuti wakapupura pamsoro poMŋanakomana wake. Uyo, unotenda kuMŋanakomana waMŋari, kupupura unako mukati make; usiŋgatendi Mŋari, wakamuita mureʋi wenhema; nokuti haana‐kutenda kupupura kwakapupurirwa naMŋari pamsoro poMŋanakomana wake. Kupupura ndiko, kuti Mŋari wakatipa ʋupenyu bgusiŋgaperi; ɀino ʋupenyu ubgu bguri muMŋanakomana wake. UnoMŋanakomana, unoʋupenyu; usinoMŋanakomana waMŋari, haanoʋupenyu.
1 Johani 5:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)