Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 12:18-27

1 Vakorinde 12:18-27 SCLB

Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo.