1 VaKorinde 12:18-27
1 VaKorinde 12:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.
1 VaKorinde 12:18-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo. Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo.
1 VaKorinde 12:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo.
1 VaKorinde 12:18-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko? Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe. Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi. Kwete, ɀikuru mitezo iyo yomuʋiri ineŋge isinesimba, ndiyo inoɗikanwa; nemitezo iyo yomuʋiri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwaɀo; nemitezo iyo yeɗu isina‐kunaka, ndiyo yoʋa nokunaka kunopfuʋurisa; asi mitezo yeɗu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mŋari wakaɓatanidza muʋiri wose, akakudza nokupfuʋurisa mitezo inoshaiwa kunaka; kuti pamuʋiri parege kuʋa nokupesana; asi kuti mitezo iceŋgetane ɀakaenzana. Kana mutezo mumŋe ucitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamŋe cete nawo; kana mutezo mumŋe ucikudzwa, mitezo yose inofara pamŋe cete nawo. Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo.
1 VaKorinde 12:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)