Mapisarema 50:1-10
Mapisarema 50:1-10 SNA2002
Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro. Mwari akapenya Ari paZioni, iro rakanaka-naka kwazvo. Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro. Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene. “Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu. Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose. Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako. Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.

