Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 26:52-65

Kuverengwa 26:52-65 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Vanhu ivavo ngavagoverwe nyika kuti ive nhaka yavo maererano nouwandi hwavo. Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo. Nyika ngaigoviwe nechin'ange, vagogaramo mhuri nemhuri, dzinza nedzinza. Nhaka iyoyi inofanira kugoverwa nechin'ange maererano nouwandi kana ushoma hwavanhu vari mudzinza iroro.” Mudzinza rokwaRevhi ava ndivo vakaverengwa mhuri nemhuri; makaverengwa mhuri yokwaGerishoni tateguru wayo ari Gerishoni, nemhuri yokwaKohati tateguru wayo ari Kohati, nemhuri yokwaMerari tateguru wayo ari Merari. Mhuri dzomudzinza rokwaRevhi dzaiva mhuri yokwaRibhini, nemhuri yokwaHebhuroni, nemhuri yokwaMaari nemhuri yokwaMushi nemhuri yaKora. Kohati aiva baba vaAmuramu. Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu. Aroni ndibaba vaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa paya pavakapira Tenzi moto usingabvumirwi. Vose vakaverengwa vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvitatu. Vaiva vanhurume vose, kubvira pavacheche vane mwedzi mumwechete, wokuberekwa zvichikwira, vakanga vasina kuverengwa pamwechete navaIsiraeri nokuti vakanga vasingagoverwi nhaka pakati pavo. Ivava ndivo vakaverengwa naMosesi nomupristi Ereazari. Vakaverenga gungano ravaIsiraeri vari mumapani eMoabhu pedyo naJorodhani kuJeriko. Asi pane vakaverengwa ipapo pakanga pasisina kunyange murume mumwechete zvake wavaya vakamboverengwa naMosesi nomupristi Aroni, pavakamboverenga gungano ravaIsiraeri kurenje reSinai, nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.