Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 26:52-65

Numeri 26:52-65 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa. Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo. Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo. Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.” Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami; zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu. Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.) Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo. Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai. Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 26

Numeri 26:52-65 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha akataura naMosesi, akati, “Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo. Vazhinji nofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa. Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwe nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo. Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.” Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu. Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanzvadzi yavo. Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari. Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha. Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri. Ndivo vakaverengwa naMosesi naEreazari mupristi, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko. Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMosesi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai. Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, “Zvirokwazvo vachafira murenje.” Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 26

Numeri 26:52-65 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Vanhu ivavo ngavagoverwe nyika kuti ive nhaka yavo maererano nouwandi hwavo. Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo. Nyika ngaigoviwe nechin'ange, vagogaramo mhuri nemhuri, dzinza nedzinza. Nhaka iyoyi inofanira kugoverwa nechin'ange maererano nouwandi kana ushoma hwavanhu vari mudzinza iroro.” Mudzinza rokwaRevhi ava ndivo vakaverengwa mhuri nemhuri; makaverengwa mhuri yokwaGerishoni tateguru wayo ari Gerishoni, nemhuri yokwaKohati tateguru wayo ari Kohati, nemhuri yokwaMerari tateguru wayo ari Merari. Mhuri dzomudzinza rokwaRevhi dzaiva mhuri yokwaRibhini, nemhuri yokwaHebhuroni, nemhuri yokwaMaari nemhuri yokwaMushi nemhuri yaKora. Kohati aiva baba vaAmuramu. Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu. Aroni ndibaba vaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa paya pavakapira Tenzi moto usingabvumirwi. Vose vakaverengwa vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvitatu. Vaiva vanhurume vose, kubvira pavacheche vane mwedzi mumwechete, wokuberekwa zvichikwira, vakanga vasina kuverengwa pamwechete navaIsiraeri nokuti vakanga vasingagoverwi nhaka pakati pavo. Ivava ndivo vakaverengwa naMosesi nomupristi Ereazari. Vakaverenga gungano ravaIsiraeri vari mumapani eMoabhu pedyo naJorodhani kuJeriko. Asi pane vakaverengwa ipapo pakanga pasisina kunyange murume mumwechete zvake wavaya vakamboverengwa naMosesi nomupristi Aroni, pavakamboverenga gungano ravaIsiraeri kurenje reSinai, nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 26

Numeri 26:52-65 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova akataura naMosesi, akati: Nyika inofanira kugoʋerwa pakati paiʋaʋa, iʋe nhaka yaʋo, ʋaciʋereŋgwa namazita aʋo. Ʋazhinji unofanira kuʋapa nhaka zhinji; ʋashoma unofanira kuʋapa nhaka shoma; mumŋe nomumŋe unofanira kupiwa seɀaʋakaʋereŋgwa. Kunyaŋge ɀakaɗaro nyika inofanira kugoʋerwa nemijenya; ʋacapiwe‐nhaka namazita amarudzi amadziɓaɓa aʋo. Nhaka yaʋo inofanira kugoʋerwa nemijenya kana ʋari ʋazhinji kana ʋari ʋashoma. Ɀino ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋaRevi, nemhuri dzaʋo: Gershoni, kwakabva mhuri yaʋaGershoni; Kohati, kwakabva mhuri yaʋaKohati; Merari, kwakabva mhuri yaʋaMerari. Ndidzo mhuri dzaʋaRevi: Mhuri yaʋaRibni, nemhuri yaʋaHebroni, nemhuri yaʋaMari, nemhuri yaʋaMushi, nemhuri yaʋaKora. Kohati akaɓereka Amrami. Zita romukadzi waAmrami rakaŋga riri Jokebedi, mŋanasikana waRevi, wakaɓerekerwa Revi paEgipita; ndiye wakaɓerekera Amrami, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanɀadzi yaʋo. Aroni akaɓerekerwa Nadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari. Nadabi naAbihu ʋakafa, ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usina‐kufanira pamberi paJehova. Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitatu, murume mumŋe nomumŋe wakaŋga anomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura; nokuti haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, nokuti haʋana‐kupiwa nhaka pakati paʋana ʋaIsraeri. Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa naMosesi naEreazari muprista, ʋakaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko. Asi pakati paʋo kwakaŋga kusinomurume mumŋe waʋaya ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri murenje reSinai. Nokuti Jehova wakaŋga ati pamsoro paʋo: Ɀirokwaɀo ʋacafira murenje. Hakunomumŋe waʋo wakaŋga asara, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 26

Numeri 26:52-65 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)