Jehovha akataura naMosesi, akati, “Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo. Vazhinji nofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa. Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwe nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo. Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.”
Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu. Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanzvadzi yavo. Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari. Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha. Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri.
Ndivo vakaverengwa naMosesi naEreazari mupristi, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko. Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMosesi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai. Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, “Zvirokwazvo vachafira murenje.” Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.