Mateu 5:34-37
Mateu 5:34-37 SCLBD
Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.

