Mapisarema 63:1-3
Mapisarema 63:1-3 SNA2002
Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura. Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu. Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.

