Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura. Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose. Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake. Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza. Imi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose. Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari, mwoyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Muka iwe mwoyo wangu, muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani. Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose. Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
Verenga chikamu Mapisarema 57
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 57:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo