Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:21-30

VaFiripi 1:21-30 SNA2002

Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma. Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka; asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuurire mberi, mufare pakutenda; kuti muzvirumbidze zvikuru muna Kristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri. Asi fambai bedzi zvakafanira Vhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweVhangeri; musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Nokuti nokuda kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzikewo nokuda kwake; imi muchirwawo nokurwa uku kwamakaona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.

Verenga chikamu VaFiripi 1