Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:21-30 - Compare All Versions

VaFiripi 1:21-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu, kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu. Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari. Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake, sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 BDSC

VaFiripi 1:21-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma. Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka; asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuurire mberi, mufare pakutenda; kuti muzvirumbidze zvikuru muna Kristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri. Asi fambai bedzi zvakafanira Vhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweVhangeri; musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Nokuti nokuda kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzikewo nokuda kwake; imi muchirwawo nokurwa uku kwamakaona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SNA2002

VaFiripi 1:21-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri. Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari. Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo. Tiri muhondo imwecheteyo yamakandiona ndichirwa uye yamunonzwa kuti ndichiri kungorwisa.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SCLBD

VaFiripi 1:21-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma. Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura; ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka; asi nokuɗa kwenyu ɀakanaka kuti ndigare panyama. Ɀino ndicitenda cinhu ici, ndinoziʋa kuti ndicagara, ndicaramba ndigere nemi mose, kuti mupfuʋurire mberi, mufare pakutenda; kuti muɀirumbidze ɀikuru munaKristu Jesu pamsoro paŋgu nokuɗa kwokudzokera kwaŋgu kwamuri. Asi fambai ɓedzi ɀakafanira Evaŋgeri yaKristu; kuti kunyaŋge ndikaʋuya ndikakuʋonai, kunyaŋge ndisi’po, ndinzwe pamsoro penyu kuti mumire nesimba nomŋeya mumŋe, nomŋoyo mumŋe, mucirwira kutenda kweEvaŋgeri; musiŋgatyiswi pacinhu cimŋe naʋanorwa nemi. Ndiɀo ɀicaʋa ciratidzo cokuparadzwa kwaʋari, asi kwamuri cokuponeswa; cinhu ici cinobva kunaMŋari. Nokuti nokuɗa kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari ɓedzi, asi kuti mutambudzike ʋo nokuɗa kwake; imi mucirwa ʋo nokurwa uku kwamakaʋona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa naɀino.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SUB1949

VaFiripi 1:21-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri. Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari. Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo. Tiri muhondo imwecheteyo yamakandiona ndichirwa uye yamunonzwa kuti ndichiri kungorwisa.

Pakurirana nevamwe
VaFiripi 1 SCLB