Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:1-14

Mateu 12:1-14 SNA2002

Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya. VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.” Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi? Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murayiro weSabata mutemberi, vasina mhosva? Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano. Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva. Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei.

Verenga chikamu Mateu 12