Mateo 12:1-14
Mateo 12:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.” Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete. Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva? Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo, uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.” Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
Mateo 12:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya. VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.” Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi? Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murayiro weSabata mutemberi, vasina mhosva? Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano. Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva. Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei.
Mateo 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya. VaFarisei pavakazviona vakati kwaari, “Tarisai muone vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo pamusi reSabata.” Iye akati kwavari, “Hamuna here kumboverenga zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara pamwechete nevaakanga ainavo kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi. Kana kuti hamuna kuverenga here mubhuku romutemo kuti pamusi weSabata muTemberi, vapristi vanon'oresa Sabata asi vasingapari mhosva. Asi ndinokutaurirai kuti pano pane zvakakura kupinda Temberi. Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ” Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo. Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.” Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe. Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei.
Mateo 12:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya. ƲaFarise ʋakatiʋaciɀiʋona, ʋakati kwaari: Tarira, ʋadzidzi ʋako ʋanoita ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata. Asi wakati kwaʋari: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi? Ko hamuna‐kuraʋa pamurairo, kuti nesaɓata ʋaprista ʋanoputsa murairo wesaɓata mutembere, ʋasinemhoȿa? Asi ndinoti kwamuri: Unokurira tembere uri pano. Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa. Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo. Wakabva’po, akapinda musinagoge raʋo. Ɀino tarira, kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀakatenderwa kuporesa nesaɓata here? kuti ʋamupomere mhoȿa. Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here? Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata. Ɀino akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako! Akarutambanudza, rukaʋandudzwa, rukaʋa sorumŋe. Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakaraŋgana pamsoro pake, kuti ʋaŋgamuʋuraya sei.
Mateo 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)