Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi. Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo mwoyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.
Verenga chikamu Joshua 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 7:4-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo