Joshua 7:4-6
Joshua 7:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo kwakaenda varume zviuru zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi, avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo.
Joshua 7:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi. Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo mwoyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.
Joshua 7:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka vanhu vainge zviuru zvitatu vakabva mugungano vakaendako. Asi vakamhanyiswa navarume vokuAi. Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Joshuwa akabvarura hanzu dzake neshungu, akandoti pasi zvambarara pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano kusvikira manheru, iye pamwechete navakuru vakuru vavaIsiraeri, vakazvidira dota mumusoro.
Joshua 7:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ʋakaenda’ko, iʋo ʋakatiza pamberi paʋarume ʋeAi. Ʋarume ʋeAi ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi matatu naʋatanhatu ʋaʋo, ʋakaʋateʋerera kubva pamberi pesuʋo kuȿikira Shebarimi, ʋaciʋaʋuraya pakuɓuruka kwaʋo; ipapo mŋoyo yaʋanhu yakanyauka, ikaita semvura. Ɀino Joshua akabvarura ŋguʋo dzake, akawira pasi neciso cake pamberi peareka yaJehova kuȿikira maɗekwana, iye naʋakuru ʋaʋaIsraeri, ʋakaisa guruʋa pamisoro yaʋo.
Joshua 7:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)