Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, “Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.” Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo. Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.”
Verenga chikamu Jona 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jona 3:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo