Jobho 3:1-26
Jobho 3:1-26 SNA2002
Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake. Jobho akapindura akati, “Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, ‘Mwana womukomana agamuchirwa.’ ” Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera. Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse. Kana uri usiku uhwo, ngaubatwe nerima guru; Ngaurege kufara pakati pamazuva egore; Ngaurege kurahwa pakati pemwedzi. Usiku uhwo ngaurege kubereka; Izwi romufaro ngarirege kupinda mauri. Vanotuka zuva iro ngavautukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru. Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngaumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani; Zvausina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu. Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu, Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe? Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora; Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo; Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha; Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza. Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo. Vasungwa vano rugare pamwechete ipapo; Havanzwi izwi romutariri. Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake. Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamwoyo; Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura pfuma yakavanzwa pasi; Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro? Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari? Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuuura kwangu kunodururwa semvura. Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga. Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.

