Jobho 3:1-26
Jobho 3:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake. Akati: “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’ Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo. Usiku uhwo ngahushaye chibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza; nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu? Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe? Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino, navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha. Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva? Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora. Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa. Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo. “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo, kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika, vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva? Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa? Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura. Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri. Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”
Jobho 3:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake. Jobho akapindura akati, “Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, ‘Mwana womukomana agamuchirwa.’ ” Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera. Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse. Kana uri usiku uhwo, ngaubatwe nerima guru; Ngaurege kufara pakati pamazuva egore; Ngaurege kurahwa pakati pemwedzi. Usiku uhwo ngaurege kubereka; Izwi romufaro ngarirege kupinda mauri. Vanotuka zuva iro ngavautukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru. Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngaumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani; Zvausina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu. Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu, Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe? Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora; Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo; Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha; Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza. Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo. Vasungwa vano rugare pamwechete ipapo; Havanzwi izwi romutariri. Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake. Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamwoyo; Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura pfuma yakavanzwa pasi; Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro? Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari? Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuuura kwangu kunodururwa semvura. Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga. Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.
Jobho 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvo Jobhu akademba kuti dai zuva rake rokuberekwa risina kumbovepo. Jobhu akati: “Dai zuva randakaberekwa ratsakatika zvaro pamwe nousiku hwakanzi kwabatwa pamuviri mwana mukomana. Dai zuva iroro rangove zvaro zarima Mwari ari kumusoro dai arega zvake kuritsvaka uye dai chiedza charega kurivhenekera. Dai rangokwidibirwa nezarima uye nerima rakati kwirindindi sorufu. Dai rangonzi gude-gude negore rive rinotyisa nokusvipa kwaro. Usiku ihwohwo ngahunzi pute nezarima. Pamazuva egore ngarirege kuva zuva rorufaro; ngarirege kuva rimwe ramazuva egore, rirege kumbopinda zvaro mukuverengwa kwemwedzi. Ngahuve usiku husina mbereko hurege kumbonzwika mupururu wokufara. Vanorengerera rushambwa dai vangorirengerera, vanokwanisa kumutsa zigaranyanya. Nyenyedzi dzamambakwedza aro ngadzisvibe. Ngaritarisire chiedza asi risambochiwana rirege kumboona kana romoromo zvaro ramambakwedza nokuti harina kupfiga misuo yemimba yaamai vangu kana kuti meso angu asatarise nhamo. Ndakaregereiko kungofa zvangu pakuberekwa, ndichingoti budei mudumbu ndichibva ndangofa zvangu. Zvakamboitikireiko kuti ndive pamakumbo uye kuti avepo mazamu okuti ini ndiyamwe? Nokuti iye zvino ndingadai ndakarara zvangu muguva, ndinyerere ndiine zororo pamwechete namadzimambo namakurukota enyika vakazvivakira matongo, kana kuti namachinda ane ndarama, akanga akazadza dzimba nesirivha. Ko ndakaregereiko chaizvo kungovawo zvangu gavamwedzi risingazivikanwi zvaro sesvava dzisina kumboona chiedza? Ikoko vaipi zvokutambudza zviya zvinopera; ikoko vanenge vaneta nebasa vanowana zororo. Ikoko vasungwa vanozorora pamwechete; zvokukararirwa nomushandisi webasa vanenge vasisazvinzwi. Vanhuwozvavo navakuru vakuru variko uye varanda vano rusununguko kuna vatenzi vavo. Ko chiedza chinopirweiko vari munhamo zvavo uye upenyu hunopirwei vari kushushikana mumwoyo? Vanosuwira rufu asi rufu rwusingauye, vanoruchera kupinda pfuma yakavandika, vanotopembera zvikuru nokufara kana vawana zvavo guva? Chiedza chinopirwei munhu apiwa chidzimira akaiswa naMwari parumananzombe. Mafemo angu ndiwo atokunda chokudya changu. Kugomera kwangu kunoteurirwa pasi semvura. Nokuti chandinotya chacho, ndicho chinondiwana; chandinozeza ndicho chinondiwira. Handina kugadzikana mwoyo uye handina runyararo mumwoyo mangu, ndisati ndambozorora nhamho yauya.”
Jobho 3:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Jobo wakashamisa muromo wake, akatuka zuʋa rake. Jobo akapindura akati: Zuʋa randakaɓerekwa naro ŋgariroʋe, Noʋusiku ubgo bgaʋakati: Mŋana womukomana wagamucirwa. Zuʋa iro ŋgariʋe rima; Mŋari ŋgaarege kuriraŋgarira ari kumsoro, Neciedza ŋgacirege kurivenekera. Rima nomumvuri worufu ŋgaɀiritore riʋe raɀo; Gore ŋgarigare pamsoro paro; Ɀose ɀinoȿiɓisa zuʋa ŋgaɀirivunduse. Kana ʋuri ʋusiku ubgo, ŋgaʋuɓatwe nerima guru; Ŋgaʋurege kufara pakati pamazuʋa egore; Ŋgaʋurege kurabga pakati pemŋedzi. Ʋusiku ubgo ŋgaʋurege kuɓereka; Inzwi romufaro ŋgarirege kupinda maʋuri. Ʋanotuka zuʋa iro ŋgaʋaʋutuke ʋo, Iʋo ʋanogona kumutsa shato huru. Nyeredzi dzamambakwedza abgo ŋgadziȿiɓe; Ŋgaʋumirire ciedza, asi ʋucishaiwe; Ŋgaʋurege kuʋona fuŋgiro dzameso amaŋgwanani; Ɀaʋusina‐kupfiga mikoʋa yemimba yamai ʋaŋgu, Kana kuʋanza kutambudzika pameso aŋgu. Ndakaregereiko kufa ndiciri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndiciɓuɗa muɗumbu, Mabvi akandigamucirireiko? Kana mazamu, kuti ndimŋe? Nokuti ndiŋgaɗai ɀino ndakatandaʋara, ndinyerere; Ndiŋgaɗai ndiʋete: ipapo ndiŋgaɗai ndazorora; Pamŋe cete namadzimambo namakurukota enyika Ʋakaɀiʋakira matoŋgo; Kana namacinda, aiʋa nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirveri; Kana ndiŋgaɗai ndisina‐kuʋa’po somŋana wakaponiwa ŋguʋa isina‐kuȿika; Saʋacece ʋasina‐kutoŋgoʋona ciedza. Ʋakaipa ʋanorega kutambudza kwaʋo ipapo; Ʋakaneta ʋanozorora ipapo. Ʋasuŋgwa ʋanorugare pamŋe cete ipapo; Haʋanzwi inzwi romutariri. Ʋaɗuku naʋakuru ʋari’po; Ʋuye muranda wakasunuŋguka panatenzi wake. Munhu uri panjodzi unopiyirweiko ciedza, Noʋupenyu kunouneshuŋgu pamŋoyo; Aʋo ʋanoshuʋa rufu, asi haruʋuyi; Ʋanorucera kupfuʋura fuma yakaʋanzwa pasi; Ʋanopembera kwaɀo, Nokufara, kana ʋaciwana bgiro? Munhu, wakadzimira nzira yake, unopiyirweiko ʋupenyu, Iye wakadziʋirirwa norumhanda naMŋari? Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuʋuʋura kwaŋgu kunoɗururwa semvura. Nokuti cinhu candaitya candiwira, Necandinozeza candiʋiŋga. Handinamufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inoŋgosiʋuya.
Jobho 3:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)