Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:16-22

Johani 16:16-22 SNA2002

“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.” Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu.

Verenga chikamu Johani 16