Johani 16:16-22
Johani 16:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.” Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?” Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.” Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’? Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.
Johani 16:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.” Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu.
Johani 16:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.” Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?” Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti, ‘Kwasara chinguva chiduku.’ Hatizive zvaanoreva.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza. Naizvozvo akati kwavari, “Muri kubvunzana zvandanga ndichireva here ndichiti, ‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni. Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’ Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri muchachema nokuungudza asi pasi pari mumafaro. Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu kuchasanduka kuchiva kufara. Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa, nokuti nguva yake inenge yasvika asi kana asununguka mwana, haazoyeuka kurwadziwa kuya norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu. Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu.
Johani 16:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona. Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa? Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura. Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro. Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika. Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu.
Johani 16:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)