Johani 1:4-13
Johani 1:4-13 SNA2002
Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari.


