Johani 1:4-13
Johani 1:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
Johani 1:4-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari.
Johani 1:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira. Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano. 10 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. Akauya kunyika yokwake vokwake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari.
Johani 1:4-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu. Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda. Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane. Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye. Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika. Wakaŋga ari panyika, asi nyika haina‐kumuziʋa. Wakaʋuya kuneɀake, asi ʋanhu ʋake haʋana‐kumugamucira. Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake; aʋo ʋasina‐kuɓerekwa neropa, kana nokuɗa kwenyama, kana nokuɗa kwomurume, asi naMŋari.
Johani 1:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)