Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 2:1-6

Jakobho 2:1-6 SNA2002

Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu. Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;” ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?

Verenga chikamu Jakobho 2