Jakobho 2:1-6
Jakobho 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,” hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here? Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
Jakobho 2:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu. Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;” ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
Jakobho 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu musave norusarura, imi muine chitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wembiri. Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.” Hamuna here kuita rusaruro pakati penyu muchiva vatongi vane pfungwa dzakaipa. Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda. Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here?
Jakobho 2:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, kutenda kwenyu kunaShe weɗu Jesu Kristu, iye wokubginya, ŋgakurege kuʋa nokutenda ɀinoʋonekwa ɀomunhu. Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukapinda ʋo murombo, wakapfeka ŋguʋo dzakaipa; mukatarira uyo wakapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira papo, kana: Gara pasi pecitsiko cetsoka dzaŋgu; ko hamuna‐kutsaura mumŋoyo yenyu, mukaʋa ʋatoŋgi ʋanemifuŋgo yakaipa here? Inzwai, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa: Ko Mŋari haana‐kusanaŋgura ʋarombo ʋenyika here kuti ʋaʋe ʋafumi pakutenda, naʋadyi ʋenhaka yoʋushe bgaakapikira ʋanomuɗa? Asi imi makaɀidza murombo. Ko haʋazi ʋafumi ʋanokuremedzai, naiʋo ʋanokukwirirai kuɀigaro ɀokutoŋga here?
Jakobho 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)