Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu. Handikonesi nyasha dzaMwari; nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurayiro, Kristu akafa pasina.
Verenga chikamu Vagaratiya 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 2:20-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo