VaGaratia 2:20-21
VaGaratia 2:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu. Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”
VaGaratia 2:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu. Handikonesi nyasha dzaMwari; nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurayiro, Kristu akafa pasina.
VaGaratia 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu. Handisi kuramba nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchiitwa nomutemo Kristu akafira pasina.
VaGaratia 2:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naKristu; handiciri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama ɀino, ndinorarama nokutenda kuri muMŋanakomana waMŋari, wakandiɗa, akaɀipa nokuɗa kwaŋgu. Handikonesi nyasha dzaMŋari; nokuti kana kururamiswa kucibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
VaGaratia 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)