Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimwe Vhangeri; isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu. Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa.
Verenga chikamu Vagaratiya 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 1:6-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo