VaGaratia 1:6-9
VaGaratia 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
VaGaratia 1:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimwe Vhangeri; isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu. Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa.
VaGaratia 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa.
VaGaratia 1:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukaɗai kushandukira uyo wakakuɗanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimŋe evaŋgeri; isati iri imŋe hayo; asi kuti ʋamŋe ʋari’po ʋanokukaŋganisai, ʋaciɗa kushandura Evaŋgeri yaKristu. Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa. Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa.
VaGaratia 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)