Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 1:11-14

Vagaratiya 1:11-14 SNA2002

Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.