VaGaratia 1:11-14
VaGaratia 1:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza. Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.
VaGaratia 1:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
VaGaratia 1:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu.
VaGaratia 1:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu. Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza; pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu.
VaGaratia 1:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)