Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 1:20-40

Dhuteronomi 1:20-40 SNA2002

Ndikati kwamuri, ‘Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.’ “Ipapo imi makaswedera mose kwandiri, mukati, ‘Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.’ “Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe. Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora. Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’ “Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu; mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, ‘Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze. Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa mwoyo yedu,’ dzichiti, ‘Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.’ “Ipapo ini ndakati kwamuri, ‘Musavhunduka henyu, kana kuvatya. Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’ Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati. “Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti, ‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, ‘Newewo haungapindi ikoko; “ ‘Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.’ “Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo. Asi kana murimi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.