Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 1:20-40

Dhuteronomi 1:20-40 BDSC

Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.” Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.” Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe. Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora. Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.” Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ” Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya. Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.” Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu, iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo. Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti, “Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.” Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora. Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”