Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:39-43

Mabasa 7:39-43 SNA2002

“Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsiraeri here? Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’

Verenga chikamu Mabasa 7