Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:39-43

Mabasa 7:39-43 SCLB

“Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’

Verenga chikamu Mabasa 7