2 Madzimambo 6:15-19
2 Madzimambo 6:15-19 SNA2002
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?” Iye akapindura, akati, “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Zvino Erisha akanyengetera, akati, “Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha. Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorovai vanhu ava noupofu.” Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha. Erisha akati kwavari, “Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka.” Akaenda navo Samaria.

