Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 6:15-19

2 Madzimambo 6:15-19 BDSC

Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?” Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha. Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta racho. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria.