Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari; asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.
Vadikanwi, handikunyorerei murayiro mutsva, asi murayiro wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa.
Pamwezve ndinokunyorerai murayiro mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera. Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino.
Anoda hama yake, anogara muchiedza, hapana chigumbuso maari. Asi anovenga hama yake, ari murima, anofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.
Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi.